Itai sendi sendi ndachona

September 2, 2008 by Ignatius Mabasa ·
Filed under: Books & literature, I was just thinking 

Vakomana itai sendi(cent) sendi (cent) ini ndachona
Ndasangana nemuzukuru wangu ndikaona awonda
Ndati handichabvunza kuti muzukuru kuwonda chii
Asi ndinozviziva haarwari, haisi AIDS asi nzara chaiyo
Ndabva ndafunga Mapfumo akati “Shamwari tasangana…
“Hurukuro ndedzei?…….
Hurukuro Hurombo…”
NaLovemore Majaivana zvakare gore riye achiti
Leli lizwe alila mali…
Ndamira paBank mumutsetse wevanhu unomonyoroka
Ndabvapo ndisina kuwana mari yangu, ndave nedzungu
Ndadzokera kumba ndichikamhina mumwoyo nepfungwa
Asi ndamirira kuti ndisvike kumba kunze kwasviba,
Kuti Landlord vasandione, vasandibvunze rent yavo
Rent yeR175 paroom, ini ndiri muZimbabwe muZim$
Saka ndazoti ndega
Dai girlfriend yangu iri forex dealer
Dai ndichidyawo Nandos nekuorder Pizza
Asi, handichatsvagi masolutions muzvinhu zvevanhu
Nekuti kana gore riya musikana wandaida akambonditi
Ndiwe wega, ndikazoziva kuti ndaive sparewheel.
Iko zvino ndave kutsvaga Mwari, ndinoziva ndinomuwana
Nekuti akati, “Muchanditsvaga mukandiwana
Kana muchinditsvaga nemwoyo yenyu yese”
Mwari, ndinunurewo
Ndave chigunwe chiri kuda kufenda
Mubhutsu yaswera ichifamba isina sokisi.

Copyright I. T. Mabasa 2008

Tell the world:
  • Technorati
  • Digg
  • del.icio.us
  • Facebook
  • Sphinn
  • Mixx
  • Google
  • eKudos
  • StumbleUpon

Related Articles

Give me a Random Article

Comments

2 Responses to “Itai sendi sendi ndachona”

  1. Shingairai on September 3rd, 2008 5:34 pm

    Mandibaya Moyo namanzwi akadai kuomarara asi dziri wendefa dzechokwadi dzega dzega. Moyo unorwadza nekuti dai zvaibvira mukombe uyu nezvawakatakura wapfuura zvawo!

  2. Mukomana on September 11th, 2008 3:19 pm

    Yarwadza iyi.

Trackbacks

Leave a Reply

You must be logged in to post a comment.