America idziva
Ndakaonawo apfichuka payairidzwa Kwasa Kwasa
Ndikati ndamuwana wangu apindwa neAfrica
Ndikatsegaira mhani, parutivi twasa twasa
rikasvikodoka tichingochokonyora pasi netsoka.
Ko chakazivikanzwa chii nababa Nhiya,
Kanawo kurangarira kuti hove yose
isiri mumvura inodzikama kwakadziya
yozomveya nekurova bhangu mudziva rose.
Kuchinomuti zvakawatotsawo sadza nedzemutetenerwa
Tichiriko kumaraini edu kwana Mazvihwa nana Chivi
Ndokuchinzi kuno hakusi kuAfrica kwamakaponerwa
Chero ukaswerotsvaga maari mana eAmerica mativi.
© Emmanuel Sigauke
No Related Articles!?


Wandirangaridza Biggie Tembo paakati:
Ndokusaka nyoka dzichigara dzakapiringana mumagadigadi mukati merenje.
Ndinotya kuti kune vamwe vanhu vachafa vachingotsvaga, vasingazive kuti kana vachinge vazowana zvavari kutsvaga zvacho, vachaitei nazvo!
Hevo Mabasa. Makorokoto ebhuku idzva.
Kutsavaga: ndiyo nyaya yacho chaiyo, yekutsvaga kusingagumi.