Shanduko
Yakauya hama takadekara
Yakauya nahwo uso hwainge chikara….
Iyi mitsara yekutanga yenhetembo yandakanyora muna 1992 apo ESAP yanga yatekeshera nenyika, vanhu vochitanga kutambura, pasina vazhinji vaiziva kwaibva nhamo dzacho. Ruzhinji rwaingoudzwa kuti nyaya dzeupfumi hwenyika dzainge dzvava kupindurwa, kuti dzifambirane nenguva, kuti mabhizimisi ashande akasungunuka, kuti avo vane shungu dzekutandanisa upfumi vakwikwidzane pasina kuudzwa zvekuita nehurumende; naizvozvo mitengo yezvinhu ikatanga kukwira, vanhu vakaona ndondo nekugumurwa mumabasa, vazhinji vasingazive kuti sei vaidzingwa, vachitofungirawo kuti pamwe midzimu yanga yavafuratira. Akabikwa madoro gore iroro, n’anga dzeMufakose, Glen View, nanaTafara dzikaita sedzichaputika nemari, masango ekunze kwemarukisheni akazara huku nembudzi dzemurasirwa dzainzi dzaitakuriswa mweya yakaipa yanga yodzingisa vanhu mabasa. Ndiro gore rapinda mazitye munyika, ruzhinji rwukakoromokera kunanaZambia rwuchinodzoka rwozvuvana nemarangwanda.
Ndanga ndakadzvokora nyika yanga yoshandusa uso. Ndakanyora murabada wenhetembo ndikauverenga nekuuimba mumisangano yevanyori kubvira kuChivhu, Kwekwe, Gweru, Gwanda, Kezi, Zvishavane, Bondorofu, Chipinge, Mutare, Mvurwi, Mavhuradonha, Madziwa, Bindura, chero kuNorton. Ndiwo makore aitekeshera BWAZ, tikadetemba tadetembazve nezveshanduko. Yanga yauya shanduko, “toti timukonotsvaga upfu chifaifi/tosvika hanzi chapera nafaifi”, mitengo yeshuga ichikwira, chingwa chichiwanikwa chati gunduru muzvitoro. Yanga yauya shanduko, ichionesa vanhu ndondo, chero zvazvo kwaiva neavo vanga votanga kubudirira. Yanga iri shanduko huru, hon’o, asi zvinhu zvaiti zvikambovigwa makuseni, masikati zvinenge zvavapo, kana muMabvuku washaya chingwa, pamwe waichiwana kuChizhanje; kana zvanetsa monwa putugadzike yenyu nembambaira. Maiva muna 1992 imomo. Zvakazoitika kusvika patava nhasi tese tinozviziva.
Saka nhasi uno ndafumoimbazve rwumbo rweshanduko; handizivi kana shanduko iyi yakafinyamisa uso, kana kuti iine uso hwacho hwekufinyamisa, asi inenge zana rezvikara, zvinobhon’a, zvinovhundutsa nekukwitimisa. Ikada, shanduko iyi ingangokoka nyemwerero, asi nyemwerero yacho yobva yasvava nesaziva kuti yopemberera here kana kudongorera chete.
Pasvikwa zvapo neshanduko, shanduko ine mavanga.
Related Articles
Give me a Random Article
Comments
Leave a Reply
You must be logged in to post a comment.











