Pamusoroi vanhu wee !
Pamusoroi vanhu wee !
Nhungamidzo
1
Pamusoroi vanhu wee
Toda kusvitsa maoko
Kuvakuru kumusoro
Nekuvadiki, ndivo nhaka
Nevakombi, ndine mhaka !
2
Ndipei nzeve vanhu wee
Imi vari pano nhasi
Nevari pasi, unjere ndipei
Nevari nzvimbo dzakatsarukana
doda kutongesa nekupangana
3
Nhasi ndino pinda nenhoroondo
Ipfupi mataurirwo ayo
Ino bvunza kuti mazuva anhasi
Sei hupenyu hwedu hwaomesesa
Zvaonekwa nevese pasipose
4
Anonzwa zita rayo, anzwa
Kupi nekupi munyika dzose
Zuva nezuva, tsitsi vanotinzwira
Vanoona tiri mudambudziko
Kare tirisu tai dambadzika
5
Vakuru vanongo bata shaya
Vachi zunguza musoro
Vashaya pazvo, vopira kuvazukuru
Vachiyeuka mbiri yakare
Yakaimbwa ika pemberwa kare
Ugo
6
Kare kare kwaisava nenyika
Kana rudzi rwevanhu rwai
Shevedzwa kunzi Zimbabwe
Chitsva chekuona isu neziso
Zera redu taivepo musi wezita
7
Vawanikwa, vaive tangekugara
Vakatsvairirwa semarara
Kumhedzisiro kwenyika
Asi nhaka yavo tinayo
Yenyika nengano dzavo
8
Vakatipawo mifananidzo
Yatino dada nayo yepamatombo
Akamwararira zvikomo nemapako
Inoti raira upenyu hwakare.
Njere dzavo mugove wehukare
9
Vaive vavhimi nyanzvi
Vateveri mhuka vasingarime
Vakati pano musasa mise, saivo
Vogarira mafuta enyika, vogura.
Fume vave nepamwe: vapfuura.
10
Vakatanga kuuya vabvekure
VaGuruuswa vakasviko
Bata ivhu, vodyara manhanga
Vachichera simbi nekupfura
Mapfumo nemapadza emhangura
11
Vakabva vava vana vevhu
Vagarivepo, vapambevhu
Midzimu yavo vakadyara
Vachikohwa madzinza nechirudzi
Vakaibata, vakaitamba mupfudze
12
Vaipika nemakomo avaiona
Nenzizi dzemo, vachivaka
Mazita avaida vaipa
Kutumidza kutunhidza
Nyika ikava yechipikirwa
13
Vaitongana pachav
[Dzinza richi tsiva rimwe]
Utapa neuchangamire zvaisosangana
Umambo hukagara kusvingoguru
Hukabvutwa neabvuta, akava mukuru
14
Utongi ukasvika Dambarare
Kami kana Mapungubwe
Mazita evakambotonga
Vana vevana vavo tinavo
Pakati pedu, ropa redu rine ravo
15
MaSwahiri akasvika achisvosva
Nekutengeserana upfumi nevanhu
Vakapfumbidzira vamwe kwatiri
MaPutukezi akauya nehondo
Nechitendero chavo, chesvondo
16
Kwakasvikwa nenhapwa
Kuzvitsuwa zveAfurika
Nenzvimbo mhiri kwenyika
Nemagungwa emabvazuva
Magumo ekwataiziva
(abridged)
Farai D. Madzimbamuto
Oct 2008
Related Articles
- Svakabva nepi?
- Regai tifurwe nemhepo
- Waita hako Barry Lungu
- Kuvabati vese
- O Nehanda Nyakasikana!
- A chapter from my forthcoming novel
Give me a Random Article
Comments
Leave a Reply
You must be logged in to post a comment.











