Haiku muchiShona

October 31, 2008 by faraitosezim ·
Filed under: In Shona, Poetry 

Haiku rudzi rwekudetemba muChiJapani. Mitemo yacho yehaiku [kuhaika] muChiJapani yakaoma asi vanyori vemimwe mitauro yakaita seChiHingirishi vari kutamba nemanyorerwo ehaiku nenzira dzino pindirana nemitauro yavo.

Inonyorwa iri mitsetse mitatu chete. Chimwewo ndechekuti zvinotoda kuti pave nongedzo yemwaka.

Misodzi

Misodzo pahwindo

ekunze kunaya, mukati mwando

ndafunga kumusha, maziso mokoto.

Mvura

Mvura mutuvi

ino sveta kana dombo

ropa igukura.

Mwana

mwana wazvarwa

ruva ravhurika, meso machena

gare gare guva.

Mwedzi

mwedzi wachena

pasi muponorwa, denga musvuu

dariro renyeredzi.

Farai Madzimbamuto

Tell the world:
  • Technorati
  • Digg
  • del.icio.us
  • Facebook
  • Sphinn
  • Mixx
  • Google
  • eKudos
  • StumbleUpon

Related Articles

Give me a Random Article

Comments

Leave a Reply

You must be logged in to post a comment.