Kutambanemazwi
Mutambanemazwi
Kuti pasi pose / pasi rose kana richi nyorwa rino nyorwa semazwi mairi pasi na pose / rose. Zvinoreva here kuti izwi iri harisi zita here rechinhu chinonzi ‘pasirose / pasipose’. Kana panechinhu chimwe chinonzi pasipose [zvichi reva kuti izita] zvinenge zvino fanira kuti rive izwi rimwe chete. Chinhu chimwe ichi ndiro burungwa ratigere rinongo papama mudengarose.
Tikabvuma kuti tichiti ‘pasirose / pasipose’ hatisi kutsanangura zvinhu zvatiri kuona tichisanganidza mupfungwa dzedu, tiri kuto nongedzera chinhu nezwi [noun], zvinoti batsira kuongorora mamwe mazwi akaita sesikwarose [yunivhesi]. Tikariita izwi rimwechete rinobva rava zita renzvimbo kana zvinhu. Rikava mazwi maiiri sikwa rose rava kutsanangura [adjective] kuti chinhu chakasikwa chose. Kwozouyawo mazwi anoti masimbaose [Almighty] ne masimba ose [simba rako rose]. Mamwe mazwi anonetsa kupatsana anoti mazuva ose [every day] musi wose [all day] misi yose [every day] misiyose [narinhi: forever]
Tsautso iyi inotikwanisa kuumba mazwi akaita seekuti
- umhukahwose [Animal Kingdom],
- merarose [Plant Kingdom],
- hunhuhwose [human race, humanity] , hunhu hwose [hunhu hwemunhu]
- vanhuvose [population], vanhu vose [everybody],
- munhuwose [whole person] munhu wose [every body]
- dengarose [space , sky], denga rose [whole roof]
Kana tika tevedza pfungwa iyi tinogumira kupi?
Farai Madzimbamuto
Related Articles
- Chakasimba chiri mandiri - Labbi Siffre
- Regai tifurwe nemhepo
- Dzimwe haiku muchiShona
- America idziva
- Kuvagoni veslow motion
- Waita hako Barry Lungu
- Itai sendi sendi ndachona
Give me a Random Article
Comments
Leave a Reply
You must be logged in to post a comment.

