Dzimwe haiku muchiShona

November 6, 2008 by faraitosezim ·
Filed under: I was just thinking, In Shona, Poetry 

Nekuenda kwenguva, haiku yaita ichiwanza zvaino taura nazvo.

Kare yaisapinda munyaya dzerudo kana dzenyika ; yaingo reveswa

zveusikwa, kupindana kwemazuva nemwaka nekugarisana kwevanhu neusikwa.

Haiku muChiRungu inenzvanyira [silab'le] 17 chete [gumi nenomwe : seven’tini] dzakarongwa kuti shanu [5], nomwe [7] neshanu. Izvi zvinosiyana mutauro nemutauro nekuti marongerwo enzvanyira anosiyana. Uyezve, pane mazwi anepikisano.

Kodzero

Kodzero kukudza munhu

Semuchero unova muti

Temhai, musatema hunde

Mushana

Tino sundira tsvangirai

Pamberi nekakutukirira

Isu totsvanga mushana

Vana

Mwana akura, ofamba ega

Isu vabereki tosara nepfungwa

Zhizha taribva, sare chirimo

Kudada

Kudadai kunenge kupenga

Kuramba zvakaonekwa newese

Vhoti dyarei, demo simei.

Basa

Amai garai ndichauya

Basa rava kunyika dzekure

Ndityirei pakuyambuka

Farai Madzimbamuto

Tell the world:
  • Technorati
  • Digg
  • del.icio.us
  • Facebook
  • Sphinn
  • Mixx
  • Google
  • eKudos
  • StumbleUpon

Related Articles

Give me a Random Article

Comments

Leave a Reply

You must be logged in to post a comment.