Haiku
teyoupfumi
Ndaiti zvimwe mudyandigere
Muteyo wehupfumi
Nanga kuposha vamwe.
pagomo
pagomo papfigwa
ndararisa murapwi
ndanzwa. Nhau mapopopo.
mvura yaipa
ashaya, ndanaya
avigwa ini ndayambuka
imvura dzaipa
gwema
zvanzi kwedu kwaita mauni
anenge gwema
chandoziva kwaita gonye.
usiku
kwadoka ndotya rima
usiku hunoreba kuchamhembe
pfungwa igwindingwi
paindaneti
paindaneti panotaurwa zvakawanda
anobvotomuka, seari pabira
zvoerera nenguva serwizi
kuora
mwedzi ukaora nhai
pane chinoitika ?
ko nyika ?
rudo
ndakadana newe kure
pfungwa dzedu
makomo epedyo
obama
tafara varungu vada Obama
isu tingasarure muRungu ?
sarura wako nhamo ichauya.
kumusha
kwava kumusha ndekupi
kudzinza ? ko kwevana ?
ndafunga mango, ndoona chando.
muchato
musi wanda chata kwainaya
kuno chando, kwedu zhizha
ruviri viri, asi rufu ega ega.
pfungwa
rima kuva ndega nepfungwa
pavanhu ndini neziso rangu
pfungwa imbeu, munhu mumwe
Farai Madzimbamuto
Oct 2008
Related Articles
Give me a Random Article
Comments
Leave a Reply
You must be logged in to post a comment.

