Vosvika muAmerica mazuva ano
Mbeu yevanhu vosvika muno yati siyanei neyedu patakasvika. Isu taivinga chikoro, kana kuzotora twumakosi twekutiwanisa mabasa ane musoro, toshanda kwemakore, tichironga kuzodzokera kumusha takagukuchira upfumi. As ava vouya ava, huwi-i, mabasa chaiwo.
Pane mukomana akasvika mwedzi wapfuura. Hameno kwazvakanhongana nemukadzi weChirungu anenge ane dzakadambuka dzose. Mungadai mavaona nhasi pavasvika pano kuzopemberera Zimbabwean Independence Day nesu, chikara chichizvidhonza haikona, hanzi ndine wangu, isu tikati, “Tamuona!” Ndamutarisa mukomana uyu ndikanzwa misodzi yoda kudonha. Nhai shiye zvayo, mwana akakurira kuruzevha, kunozvuviwa nechembere zvayo. Anga ashayei kumusha? Chero mumaruzevha zvamuzere vasikana vanogona kutsvoda wani.
Iko kudaidzana kwacho kani. Inongovaka iyo yehuchi. Pano nepano, “Huchi! Uya pano, Huchi!” Isu zvedu tangoti pwi pwi, tangotarisa. Tangoteerera dzichitaurwa nyaya dzeZimbabwe naiye mukadzi wacho. Toudzwa hedu zvese zvavo zvekuenda kuVictoria Falls, havo kuKariba, hanzi totamba mumvhura, hanzi totora mifananidzo yemvu-u nemakarwe aZambezi. Icho chikomana chacho, munhu akakurira kuBupwa kuya, kwavawo kuavhomora mafoto emakudo, tonzi onai. Isu tongotarisa hedu, ko tingadii? Sezvo ini ndichibva kuVhugwi, pedo neBupwa, ndadawozve kubvunza kuti ko muroora akambonobatsira mai mumunda here pawakaenda naye kumusha? Ndabvunza neChirungu, kuti ndisanzi ndanyeya umwe, iye mukadzi akabva apindura. Ko vanonoka?
“Hazvaaiita kuti tiende kumusha kwacho,” ndiye muroora wedu weChiRungu uyu.
“Ko hindava?” vobvunza havo Tete Raviro vanogara kuFolsom, vatoshamawo muromo wavo.
Tose zvino tatarisa muroora.
“Hazvaiita kuti ndiende naye. Akaenda nabhudhi vake. Takamboitisana nharo, ndikazoti, fine, enda. Just make sure kuti unodzoka uri mupenyu.”
Zvino imba yose yavhura nzeve. Chero sadza netsoka dzenguruve zvatiri kudya tambosendeka. Chero twuvana twaAuntie Jenny twatiwo nzeve kwangwa. Ko twungadii?
“Ko zvanga zvanzi angangofako kumusha kwake?” vanobvunza Mukoma Mairosi, ticha wepachiCommunity College chemu Elk Grove, vanobva kwaMafuva.
“Ehe. Pese pese paaienda kumusha kwavo paiva nekamukana kekuti pane zvingangoitika kwaari. Kuzere varoyi kuBupwa.”
“Hezvo!” ndini ndodaro nechemumwoyo, nzeve dzangu dzotounga, ndichibva ndazoti kumuroora, “Heya. Hanzi kune varoyi?”
“Vakawanda chekuti pano? Chero mai vake vanonzi nevanhu vanoroya.”
“What nonsense did he tell you?” ndiMukoma Mairosi avo, vatokwidza izwi sevatsamwa, ziso ravo rakatarisa mukomana wechidiki uyu angoduka zvino akadzvokora meso seadzipwa. Naiyewo anenge atoshaya neremuromo, asi abva ada kudzora mukadzi asati ataura zvimwe.
“Honey, handina kuti kuzere varoyi.”
“Wakadaro; handiti wakati amai vako vakambopisirwa imba nekuroya. Ndaida kuinda kumusha kwenyu ukati chii, kunotyisa, ini ndikati, fine, chiendai, asi udzoke uri mupenyu.”
“Aiwa hauna kunzwisisa,” odaro murume, ati kwidzei izwi.
Zvino tese tangotarisa, tichitsenga zvakadzika. Hatichadi kuipindira iyi, ndeye zvemhuri yavo. Vakada kurwira pano ndovadzinga mumba mangu. Ko zvinonetsa here muno muAmerica musinganetsi mapurisa.
“Saka uri kunditi ndinonyepa manje pavanhu vese ava?” obvunza mukadzi zvino aunyanisa pameso, huchembere hwese hwabuda. Mwana akanozvuvana nechembere yakakura kukundeni chaiye, hezvi ndatosvitsa forty yangu.
“Apa wanyepa shamwari. Ndakati..”
“Don’t call me a liar!” svatsamwa zvino. Pameso patsvuka kunge dziva reropa. Chirume chacho chobvunda. Ndatarisa kuna Auntie Jenny votofa nekuseka vakaviga muromo. Rindai, musikana anochengeta machembere, mwana wekwaMadvivadondo akazvisvikira zvake, okosorera akaviga musoro sure kwangu.
“Handisi kuti unonyepa. Wakaramba wega kuenda kumusha nekuti waiti haufarirani namukoma vangu, remember?”
“Well, mukoma wako angadai akakwira bhazi rake ega nekuti chidhakwa. Handikwiri bhazi rimwe nezvidhakwa!” Apedza zvake muera Andrews. Asunga ruromo, otarisa divi, uku murume apererwa nemashoko, onangisa maziso kwatiri kuti pamwe tingapindira. Iyi ndeyake iyi.
Pamboita karunyararo, asi ndoona mukoma Mairosi voda kufutidzira moto: “Handaiziva kuti kuBupwa kuzere varoyi vanotozivikanwawo chero nemaAmericans.” Asi vanobva vabata muromo, kwava kuti, “Kutamba hangu.”
“Ini zvevaroyi ndanga ndisina basa nazvo. Who cares? kana munhu afunga kuzviti muroyi ane right yekuzviti muroyi. Iwe Lettie unozviva wani kuti muAmerican River munosangana varoyi every full moon.”
Ngaandisiye zvangu. Vandoziva kupi varoyi vanosangana muAmerican River. Asi ndoda hangu kuti ataure chakamutadzisa kuenda kumusha kwemurume chaicho, vachiriko kuZimbabwe. Nhai vanhu kuenda kuVic Falls, nekunana Kariba kwese, nekunanaMatopo asi vachitadza kuendesana kumusha kwemurume? Chivanhui ichocho? Kana kuti chiAmericahwai ichocho? Ndobvunza hangu, “Saka uri kuti wakatadziswa kuenda namukoma wacho?”
“Ndicho chikonzero chaicho. Iye anozviziva uyu.”
“Ndisiye zvangu, ndichiziva chii? “
“Saka wava kuti ndopengaka iwe?”
“Kana zviri izvo zvaunofunga, ehe, unopenga, dzvunguwaya chairo.”
“What?”
“Wandinzwa.”
Mukoma Mairosi voti, “Please. Todawo kuzvitsengera mabhonzo takadekara.”
Asi vanganzwikwa nani? Murume nemukadzi zvino zvatarisana. Kwazoipa. Ndichadzinga vanhu pano.
“Iwe ndiwe unopenga. Ndiwe unamukoma vane maproblem edoro. Pamwe une zvaunazvo zvaunovanza kubva kwandiri. Are you alcoholic too? Ndiudze pachi pedo!”
” Usaenzanisa mhuri yangu neyako!”
“Pakudii kwayo?”
“Yako izere zvidhakwa zvega nevasvuti vembanje!”
“Wava kufarisa zvino!”
“Iwe ndiwe wava kufarisa. Watondigumbura izvozvi!”
“Wagumbuka? He? Wagumbuka?” Mukadzi nyamwi. Asi oda kudira murume mbama? “Uchazonyatsogumbuka kana wava kufunga kuti uchauya sei kumba.”
“Kumba? Ndoendaka nemota.”
“Tichaona zvikaitika. Ndaenda ini!” Aika! Vatobuda mbuya. Tose tateerera. Yozhambiswa mota. Mavhiri okwenga pasi mota yovhetemeswa. Atoenda MuRungu zvechokwadi.
Mumba munosara mune runyararo. Pava pashure iye muridzi wenyaya anobva aseka zvake.
“Mupfana unopenga iwe. Ko chii chawakatiitira ichi?” Ndi Mukoma Mairosi.
Asati apindura Auntie Jenny vanoti, “Muchapfurwa nepfuti; hameno zvenyu.”
“Uyu anobva kuvaroyi haapfurwi uyu,” vanodaro Mukoma Mairosi.
“Asi chokwadi ndizvo zvawakavinga here izvi, hanzvadzi?” ndinomubvunza.
Haapinduri. Shasha inenge yofunga kuti ichaenda sei kumba.
“Asi wava kufunga kuti uchaenda sei kumba?” vanobvunza Tete Raviro, vachisvisvina bonzo rakaomarara.
“Hongu,” opindura, pameso pava nekakutya. Vasikana-a, hudiki zvairi nhamo chaiyo.
“Kuziva kuti uchaenda sei kumba, semaonero andaita zvinhu pano, handiyo nhamo yako hombe munin’ina. Nyatwa yako chaiyo ndeyekuti uchine kumba kwekudzokera here,” vanodaro mukoma Mairosi, vobva vaputika zvavo nekuseka, vowedzera vachiti, “Muchitanga mazivana nevanhu vamunotevera kuno. Wako uyu zviri pachena wani kuti hadzimo.”
“Rudo kani. Ko imi makamboitawo wenyu wani?”
“Zvaiva zvemapepa zviya. Uyu mwana mudiki aikwanisa kuzviunza kuno pasina problem. Handiti wakapedza paUZ?”
“Hongu.”
“Zvino?”
“Rudo chete.”
“Tibvire apa! Unondiudza kuti paUZ pese paya wakashaiwa cherowo wako wekuroora?”
Handidi kwoinda nyaya. Mairosi akaita drama dzake muno tikaita tese setichapfurwa nerakewo benzi. Ngaasiyane neshiye yevanhu.
“Usavatevedzera ava. Zvipedzisire bonzo rako mwana wamai. Handiti sadza motorioenerawo pano? Kwenyu uku maonaka nhamo neMacaroni & Cheese?” Handidi hangu kuti apindure. Saka ndinobva ndawedzera. “Wako mukadzi haanetsi. Mupe hour uchaona okufonera achikubvunza kuti uchauya kumba riinhi.”
Imba yose inoseka. Kuseka nhamo serugare.
Kana tati garei ndichati uyu afonere mukadzi wake achikumbira ruregerero. Kuenda kumba hakunetsi hako; mota dzakati bayai vanhu pano nhasi. Iko tichirambireiwo takagara zvatapedza kudya?
“Chititambiraika. Ndimi muchangobva kumusha. VanaBorrowdale vandinongonzwa vakamira sei?” ndinobvunza, zvinobva zvapepusa Rindai unyo anoti, “Ndauya naAwilo Longomba!”
“Karolina munayo?” Aizve, otobvunza mwana wamai vangu.
“Ndauya newide selection.”
“Ha, magonaka. Regai titambe.”
Tete Raviro ndiye D.J.. Zvino tatarisa Rindai neuyu vachikozvora kapeti. Gare gare Mairosi ozvongonyokawo, ava Auntie Jenny vakati havachasariri, pfichu-pfichu zvavo sevakapedza nhamo dzese. Pandinopinda mudariro ini chero Karolina wacho dai anga ari pano aikumura nyembe. Regai tipemberere zvedu. Ko totadziswa neiko isu tiri vagari vemuno vekutanga?
Related Articles
- Svakabva nepi?
- Itai sendi sendi ndachona
- Waita hako Barry Lungu
- Shanduko
- Haiku muchiShona
- Kuvabati vese
- Chakanakira Youtube
- Chakasimba chiri mandiri - Labbi Siffre
- Kutambanemazwi
- New Munyori Poetry Journal issue out
Give me a Random Article
Comments
2 Responses to “Vosvika muAmerica mazuva ano”
Trackbacks
Leave a Reply
You must be logged in to post a comment.


Maita henyu vaSigauke. Nyaya yenyu yandinakidza. Zviri kungodzi nyayapfupi muChiShona hadzisi kunyoriwa, kuona kwangu dzinga wandirwe hadzo nedzeChiRungu asi dziri kuwaridza mupfudze.
Pakatanga vanhu kunyora mabhuku muAfrica nyaya dzacho dzaive dzekupesana kwaivepo pakati pezvechirungu nezvechivanhu makare muAfrica. Zvino munyaya yenyu kupesana uku kuinoitikira muchirungu makare.
Ichokwadi kuti vanhu vava kuenda mhiri kwemakungwa mazuva ano vava ma ‘economic migrants’. Vazhinji varikushupika uye vanoonerwa pasi nevamwe vavo , havana ‘economic basis’ yekuti vave nedado ['pride'] . Kwavabva kune nhamo , saka zvishoma kana kuti hapana chekuvhaira nacho. Vano dadirwawo nevaridzi venyika yavari.
Nyaya yenyu yandifadza !
Farai
Ndatenda chaizvo, Farai. Zhinji dziri kuuya. Timboongorora kuti Diaspora yacho iyi yakambomira sei chaizvo.