Ndakusuwa marokko-bhanzi shamwari yeupenyu

June 5, 2009 by zvovuslvekuda ·
Filed under: In Shona, Poetry 

Ndichitanga kukuona,

Ndaikuvenga chaizvo

Ndaisada kukuona

Wainge ibwe, waitoda sando kuti ndikupaze

Ndaipotsa kurutsa?

Apo ndaikudya

Nguva yakati yafamba

Mazuva, mwedzi, zvapindana

Ndakazotanga kukuda zvishoma nezvishoma

Wakazoti zvino woitwa neunyanzvi ,

Naana godobori vezvekubika!

Ndainge ndisisadi kurega kukudya!!

Ndaiti ndikakushaya,

Ndaiswera ndichisvimha, iyoka misodzi yeropa??

Nekuti ndaive ndapinda newe murudo kuti nya-a,

Tave nyama imwe,

Ndakushaya ndaisadzidza zvakanaka?,

Ndaitorohwa nemudumbu?

Nyemwerero yangu yese ino-yatsobuda,

Apo ndinenge ndichikudya ,

Ndinodemba ramagwana ,

Rikurumidze kusvika,ndikuchapfanye

Ndobva ndanzwa parere moyo,

Ndichikudya mudyandakasungwa?

Ha-a maroko! Ndinokuda chaizvo,zvisina mukare akamboona?

Unonyatso-ndigutsa shamwari

Parizvino ndazokusuwa

Maroko shamwari yeupenyu

Zvovuranda kudakwashe

(c) Farai mano

Tell the world:
  • Technorati
  • Digg
  • del.icio.us
  • Facebook
  • Sphinn
  • Mixx
  • Google
  • eKudos
  • StumbleUpon

Related Articles

Give me a Random Article

Comments

Leave a Reply

You must be logged in to post a comment.