Chakasimba chiri mandiri - Labbi Siffre

[Pandaona rumbo rwuri kuimbwa seanthemu yeHIFA, ndati nditeerere. Rwandi zipa chaizvo.

Ndafunga kuti zvimwe zvingabatsirao mazwi acho akava muChiShona tianzwisise tose tose.

Hameno kuti anoimbika here [semunhu anehuyanga pakuimba] asi ndinofunga kuti pane vangapagonawo ipapo.  Hameno kuti pane anogonawo here kupinzwa rwiyo rwacho muChiNdevere kana imwe mitauro yemuZimbabwe. Tino tora zvakawanda zvekune dzimwe nyika tichizviita zvedu asi tisinga simudzire zvedu zvakanaka. Rwumbo harusi rwedu zvedu asi kurwuimba mumitauro yekwedu zvinga simudzire kuimba nenzira dzakasiyana siyana.]

zvipingidzo zvingakura pakadii

ndino kurao kuzvipfuura

kure kupi kungaiswa kodzero dzangu

ndino mhanya kusvika ikoko

kana mukandi ramba

kana kuringa zvenyu kumwe

hazvinei, nekuti…….

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

pamuno rambisisa kunzwa izwi rangu

ndipo pandino nyaudzisa rumbo rwangu

hwandai seri kwemazidziro eJeriko

manyepo enyu achaondomoka pasi

mungandi nyima zvenyu nguva yangu pano

muchiparadza upfumi nehwangu

asi mwenje wangu uchapenya chaizvo

uchakupoforai maziso

nekuti……

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri.

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

[korasi]

chakasimba chiri mandiri

ndino ziva kuti ndino zvikwanisa

kunditadzira kwamunoita

mai funga kuti handichina madado

asi pane chakasimba chiri mandiri

..

vakoma ne hanzvadzi

vakasimbira vachiti hatikodzere

isu tinoziva zvimwe

ingo varingai pameso muchiti:

ndichangozviita chete

ndichangozviita chete.

..

muturiki : Farai Madzimbamuto

Ndakusuwa marokko-bhanzi shamwari yeupenyu

June 5, 2009 by zvovuslvekuda · Comment
Filed under: In Shona, Poetry 

Ndichitanga kukuona,

Ndaikuvenga chaizvo

Ndaisada kukuona

Wainge ibwe, waitoda sando kuti ndikupaze

Ndaipotsa kurutsa?

Apo ndaikudya

Nguva yakati yafamba

Mazuva, mwedzi, zvapindana

Ndakazotanga kukuda zvishoma nezvishoma

Wakazoti zvino woitwa neunyanzvi ,

Naana godobori vezvekubika!

Ndainge ndisisadi kurega kukudya!!

Ndaiti ndikakushaya,

Ndaiswera ndichisvimha, iyoka misodzi yeropa??

Nekuti ndaive ndapinda newe murudo kuti nya-a, Read more

Maongororo

April 21, 2009 by faraitosezim · Comment
Filed under: In Shona, Poetry 

Maongororo ano gutsa meso senhumbu

Ndino ona maruva kutumbuka pamuti

Usina pfumvudza, kuti mwacha zidzumbu

Hwema huno tasva mhepo kuenda rwendo

Igwezvo kushiri nenyuchi, kwandiri paditi

Idonhodzo ndofunga shupiko renge hondo

Muchini unopipidza, wada kuti ndiongorore

Kundidzora ndigadzirise pasave nengozi pakati

Inozondi tevera kwandinoenda sendine chakaorera

Kuzeya kwaunoita muti mumhepo, turuva tuchidonha

Ndinonzwa uteta mumuviri, makore afuga makuti

Ndaataya ndirikure nepadare, ndiri kuno kumatonho

Muti uchaita muchero, uchadyiwa nevachauona

Ini chasara kukushumuka, ndoorera ndove sauti

Pakashaya ano paradza, pachava ne chekuona.


Farai Madzimbamuto

Wonekano

February 18, 2009 by faraitosezim · Comment
Filed under: In Shona, Poetry 

pazvakavambwa, watambarara shamwari

ko, zvawafamba wega, mwana waMwari

chokwadi zvaguma here, wasiira ani

ndima yako . Ko kapadza kako, mupini

hakachina anobata. Watisiya hama tashama

dai ndaiziva chakakuroya, hama

chakakubaya chatibaya pahana

chatyokera munyika, hapachina kutana

hausiwega munzira, tichabatana

nemabasa ako haurovi ; watisiya kudai takashama.

tasvimha tose tose, kufunga iwe

kufunga vana, vako nevedu mwachewe

tinokuwana kupi kana worwadza mwoyo

zvawava nyikadzimu, waenda kumweya.

Farai Madzimbamuto

Jan 2009

[ndichiyeuka Chiremba Isidore Pazvakavambwa

akatisiya musi wa 25 Januari 2009]

Waita hako Barry Lungu

January 9, 2009 by faraitosezim · Comment
Filed under: Art life, In Shona, Pictures and postcards 

saturday-afternoon-on-the-lake-barry-lungu

Pandigere pano pachituro, ndakatarisa madziro. Akachena kuti mbuu. Hapana chimwe chiripo kunze kwe kakarenda kakati nama kunge kadzvanga. Ndikatarisa madziro, nguva dzose ndiko kandinoona. Kane mufano wemunhu agere pamutariro mudziva achi raura. Akandipira gotsi, saka hazvinyatsooneka kuti munhukadzi kana kuti munhurume.

Pandigere pano pachituro, ndikatarisa kurudyi ndinobva ndaona panze. Zuva riri kupinda nepa hwindo. Ndino ona matenga edzimba kusvika kuma gumo eziso. Ndiri paf’ro yechitatu. Dzimba dziri pedyo ndine maf’ro matatuwo. Pane imba yatakatarisana nayo, ndino ona mahwindo ayo, asi handiwone mukati. Ndinombo funga kuti vemo kana vachiringa kuno, vano ona mukati meyedu here. Semunhu ari kuraura uyo, akatipira gotsi, anofungidzira here kuti kunevanhu varikumuona. Read more

Vosvika muAmerica mazuva ano

December 23, 2008 by Emmanuel Sigauke · 2 Comments
Filed under: Books & literature, In Shona, Short Stories 

Mbeu yevanhu vosvika muno yati siyanei neyedu patakasvika. Isu taivinga chikoro, kana kuzotora twumakosi twekutiwanisa mabasa ane musoro, toshanda kwemakore, tichironga kuzodzokera kumusha takagukuchira upfumi. As ava vouya ava, huwi-i, mabasa chaiwo.

Pane mukomana akasvika mwedzi wapfuura. Hameno kwazvakanhongana nemukadzi weChirungu anenge ane dzakadambuka dzose. Mungadai mavaona nhasi pavasvika pano kuzopemberera Zimbabwean Independence Day nesu, chikara chichizvidhonza haikona, hanzi ndine wangu, isu tikati, “Tamuona!” Ndamutarisa mukomana uyu ndikanzwa misodzi yoda kudonha. Nhai shiye zvayo, mwana akakurira kuruzevha, kunozvuviwa nechembere zvayo. Anga ashayei kumusha? Chero mumaruzevha zvamuzere vasikana vanogona  kutsvoda wani. Read more

Pfumo nemuridzi waro

December 15, 2008 by faraitosezim · Comment
Filed under: I was just thinking, In Shona 

Iyi ngano iyi ndakainzwa musuuno. Yakandifadza chaizvo ndikati zvimwe pane anga nakidzwa wo nayo .

Zvinonzi musuuno, VaTsvangirai nekufamba famba kwavarikuita, vaifamba zvavo muAddis Ababa. Vainge vari kutevedza mumvuri we stubhu vachitaura zvavo nevamwe vaiva vava shamwaridza muguta imomo. Vakaerekana vadzivirirwa pamberi pavo nemumwe murume. Aive mukuru asi asati achembera - sezvatakangoita wo isusu. Aive ne mhumhu mudiki asi akakombama kombama musana. Muruwoko rwerudyi maive mune mubhadha murefu uri mukobvu, waito enzana kureba naVaTsvangirai. Kufamba aito zendamira mubhadha uyu onzvizvuva. Tsanda dzemumaoko dzaive dzakakura dzakati tande kurakidza kusimba chaizvo. Read more

Haiku

November 28, 2008 by faraitosezim · Comment
Filed under: In Shona, Poetry 

teyoupfumi

Ndaiti zvimwe mudyandigere

Muteyo wehupfumi

Nanga kuposha vamwe.

pagomo

pagomo papfigwa

ndararisa murapwi

ndanzwa. Nhau mapopopo. Read more

Nzwiraiwo vamwe

November 28, 2008 by faraitosezim · Comment
Filed under: I was just thinking, In Shona, Poetry 

Mandiwana ! Mandibata ! Handityi !

Handizi ndega. Ndiri ‘fandareva.

Ndionerei zvenyu pasi. Muchapagara.

Kwamuri ndiri mbeu yeparuware.

Asi ndipo paino onekwa nevakawanda

Rovai zvenyu. Pondai ! Handirove.

Magaro, tsoka, musana, sikarudzi.

Chirarai hope dzandashaya, dzimai

Pfungwa nezvipo, muumbavha gutsanai

Kundipfuudza kusandigumisa.

onai meso avanhu, ringai maziso avo

Ndiri mwenje mubako. Uchapisa.

Kunzwira vamwe kuti vave vanhu, semi.

Farai Madzimbamuto

Nov 2008.

Zvitubu

November 14, 2008 by Emmanuel Sigauke · Comment
Filed under: In Shona, Poetry 

Hairambwi misodzi

kana yafunga kupopoma, kunyanya

kana ichibva muchitubu chemukatikati;

Hairambwi, hairambiki, hairambi–

inenge ingori nguva yacho,

maungira emupande wenguva

achizunguza zvangungu zvenzeve…

Next Page »