Pfumo nemuridzi waro
Iyi ngano iyi ndakainzwa musuuno. Yakandifadza chaizvo ndikati zvimwe pane anga nakidzwa wo nayo .
Zvinonzi musuuno, VaTsvangirai nekufamba famba kwavarikuita, vaifamba zvavo muAddis Ababa. Vainge vari kutevedza mumvuri we stubhu vachitaura zvavo nevamwe vaiva vava shamwaridza muguta imomo. Vakaerekana vadzivirirwa pamberi pavo nemumwe murume. Aive mukuru asi asati achembera - sezvatakangoita wo isusu. Aive ne mhumhu mudiki asi akakombama kombama musana. Muruwoko rwerudyi maive mune mubhadha murefu uri mukobvu, waito enzana kureba naVaTsvangirai. Kufamba aito zendamira mubhadha uyu onzvizvuva. Tsanda dzemumaoko dzaive dzakakura dzakati tande kurakidza kusimba chaizvo. Read more
Haiku
teyoupfumi
Ndaiti zvimwe mudyandigere
Muteyo wehupfumi
Nanga kuposha vamwe.
pagomo
pagomo papfigwa
ndararisa murapwi
ndanzwa. Nhau mapopopo. Read more
Nzwiraiwo vamwe
Mandiwana ! Mandibata ! Handityi !
Handizi ndega. Ndiri ‘fandareva.
Ndionerei zvenyu pasi. Muchapagara.
Kwamuri ndiri mbeu yeparuware.
Asi ndipo paino onekwa nevakawanda
Rovai zvenyu. Pondai ! Handirove.
Magaro, tsoka, musana, sikarudzi.
Chirarai hope dzandashaya, dzimai
Pfungwa nezvipo, muumbavha gutsanai
Kundipfuudza kusandigumisa.
onai meso avanhu, ringai maziso avo
Ndiri mwenje mubako. Uchapisa.
Kunzwira vamwe kuti vave vanhu, semi.
Farai Madzimbamuto
Nov 2008.
Zvitubu
Hairambwi misodzi
kana yafunga kupopoma, kunyanya
kana ichibva muchitubu chemukatikati;
Hairambwi, hairambiki, hairambi–
inenge ingori nguva yacho,
maungira emupande wenguva
achizunguza zvangungu zvenzeve…
Dzimwe haiku muchiShona
Nekuenda kwenguva, haiku yaita ichiwanza zvaino taura nazvo.
Kare yaisapinda munyaya dzerudo kana dzenyika ; yaingo reveswa
zveusikwa, kupindana kwemazuva nemwaka nekugarisana kwevanhu neusikwa.
Haiku muChiRungu inenzvanyira [silab'le] 17 chete [gumi nenomwe : seven’tini] dzakarongwa kuti shanu [5], nomwe [7] neshanu. Izvi zvinosiyana mutauro nemutauro nekuti marongerwo enzvanyira anosiyana. Uyezve, pane mazwi anepikisano. Read more
Kutambanemazwi
Mutambanemazwi
Kuti pasi pose / pasi rose kana richi nyorwa rino nyorwa semazwi mairi pasi na pose / rose. Zvinoreva here kuti izwi iri harisi zita here rechinhu chinonzi ‘pasirose / pasipose’. Kana panechinhu chimwe chinonzi pasipose [zvichi reva kuti izita] zvinenge zvino fanira kuti rive izwi rimwe chete. Chinhu chimwe ichi ndiro burungwa ratigere rinongo papama mudengarose.
Tikabvuma kuti tichiti ‘pasirose / pasipose’ hatisi kutsanangura zvinhu zvatiri kuona tichisanganidza mupfungwa dzedu, tiri kuto nongedzera chinhu nezwi [noun], zvinoti batsira kuongorora mamwe mazwi akaita sesikwarose [yunivhesi]. Tikariita izwi rimwechete rinobva rava zita renzvimbo kana zvinhu. Rikava mazwi maiiri sikwa rose rava kutsanangura [adjective] kuti chinhu chakasikwa chose. Kwozouyawo mazwi anoti masimbaose [Almighty] ne masimba ose [simba rako rose]. Mamwe mazwi anonetsa kupatsana anoti mazuva ose [every day] musi wose [all day] misi yose [every day] misiyose [narinhi: forever]
Tsautso iyi inotikwanisa kuumba mazwi akaita seekuti
- umhukahwose [Animal Kingdom],
- merarose [Plant Kingdom],
- hunhuhwose [human race, humanity] , hunhu hwose [hunhu hwemunhu]
- vanhuvose [population], vanhu vose [everybody],
- munhuwose [whole person] munhu wose [every body]
- dengarose [space , sky], denga rose [whole roof]
Kana tika tevedza pfungwa iyi tinogumira kupi?
Farai Madzimbamuto

