Haiku muchiShona
Haiku rudzi rwekudetemba muChiJapani. Mitemo yacho yehaiku [kuhaika] muChiJapani yakaoma asi vanyori vemimwe mitauro yakaita seChiHingirishi vari kutamba nemanyorerwo ehaiku nenzira dzino pindirana nemitauro yavo.
Inonyorwa iri mitsetse mitatu chete. Chimwewo ndechekuti zvinotoda kuti pave nongedzo yemwaka. Read more
Pamusoroi vanhu wee !
Pamusoroi vanhu wee !
Nhungamidzo
1
Pamusoroi vanhu wee
Toda kusvitsa maoko
Kuvakuru kumusoro
Nekuvadiki, ndivo nhaka
Nevakombi, ndine mhaka !
2
Ndipei nzeve vanhu wee
Imi vari pano nhasi
Nevari pasi, unjere ndipei
Nevari nzvimbo dzakatsarukana
doda kutongesa nekupangana Read more
O Nehanda Nyakasikana!
O Nehanda Nyakasikana!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichitambudzika;
Mweya Unoera!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?
Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;
Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?
Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,
Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,
Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;
Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;
Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,
Ko, isu rugare ruchatisvika riniko? Read more
A chapter from my forthcoming novel
Vainge vagere muhambautare yemapurisa yerudzi rweSantana, iyo yakange imire pedyo nemugwagwa waibatanidza guta guru reHarare neMarondera, Macheke nedzimwe nzvimbo dzekumabvazuva kwenyika. Kumavirira kwaive nemidurukidzwa yeHarare. Zuva rakange ronyura, makore aive pamuchecheto atindivara neutsvuku hwemaoshanhede aro kunge donje rakange rapukutiswa chironda namukoti ndokukandwa mubheseni rebhuruu.
Mumwe wemapurisa maviri aya akange ari mutsva pakamba, achiri zvake chijaya chakange chichiine mapundu kumeso. Zvisinei hazvo, aive ari mukomana akasvika, mukomana wekuti ukamupakurira tsinde resadza, airipedza rese. Zvakare, waiti wamuona achidya kudaro, hawaida kuzodenana naye kusvika pakukandirana zvibhakera. Zita rake raive Dermot Mhike. Read more
Taibva
MuHarare tabikika tikaibva
Chasara kuti tipakurwe, tidyiwe
Isu tunyama tusina muto, twatsvira mupoto!
Kana rufu, nhunzi nehonye zvichatirutsa
Isu tuvanhu twakabata lunch yemaputi
Tuvanhu twune kwashi necholera
Tusina tariro nekwekufarira. Read more
Murondi Wemhepo
Vaya vakakuti uri mboma chiurutsanhongo
ndivo vakakudenhera mago nedzegonera nyuchi
vakaridza mhururu pawaikwitimiswa huruva mone,
chitsoka ndibereke chikafumova chitsoka ndioneke:
vanga vazviziva kuti uyo adziya wembavha
haachanetsi kupurura mashizha nekukozvora….


