Shanduko

September 18, 2008 · Posted in Books & literature, Poetry · Comment 

Yakauya hama takadekara

Yakauya nahwo uso hwainge chikara….

Iyi mitsara yekutanga yenhetembo yandakanyora muna 1992 apo ESAP yanga yatekeshera nenyika, vanhu vochitanga kutambura, pasina vazhinji vaiziva kwaibva nhamo dzacho. Ruzhinji rwaingoudzwa kuti nyaya dzeupfumi hwenyika dzainge dzvava kupindurwa, kuti dzifambirane nenguva, kuti mabhizimisi ashande akasungunuka, kuti avo vane shungu dzekutandanisa upfumi vakwikwidzane pasina kuudzwa zvekuita nehurumende; naizvozvo mitengo yezvinhu ikatanga kukwira, vanhu vakaona ndondo nekugumurwa mumabasa, vazhinji vasingazive kuti sei vaidzingwa, vachitofungirawo kuti pamwe midzimu yanga yavafuratira. Akabikwa madoro gore iroro, n’anga dzeMufakose, Glen View, nanaTafara dzikaita sedzichaputika nemari, masango ekunze kwemarukisheni akazara huku nembudzi dzemurasirwa dzainzi dzaitakuriswa mweya yakaipa yanga yodzingisa vanhu mabasa. Ndiro gore rapinda mazitye munyika, ruzhinji rwukakoromokera  kunanaZambia rwuchinodzoka rwozvuvana nemarangwanda. Read more