RSS FeedComments
Hairambwi misodzi
kana yafunga kupopoma, kunyanya
kana ichibva muchitubu chemukatikati;
Hairambwi, hairambiki, hairambi–
inenge ingori nguva yacho,
maungira emupande wenguva
achizunguza zvangungu zvenzeve…
Tags: [beautiful Shona words, nhetembo itsva dzaManu; Sigauke's Shona poetry]
Username:
Password:
Remember me