Taibva
MuHarare tabikika tikaibva
Chasara kuti tipakurwe, tidyiwe
Isu tunyama tusina muto, twatsvira mupoto!
Kana rufu, nhunzi nehonye zvichatirutsa
Isu tuvanhu twakabata lunch yemaputi
Tuvanhu twune kwashi necholera
Tusina tariro nekwekufarira. Read more
Ini handityi ini
Handityi ini, handityi kunzi rombe
Umwe wevaya vamunonzwa kuti
Varoverako kumadhiya asipore
Kwatinokwata nehuranda, takanamwa nehurimbo;
Uko nyadzi dzinofamba uri musvo
Dzichikasvana nezvitubu zvizere nhunzi.
Asi handityi ini
Ndati handityi kunzi rombe.
Izvozvi regai ndibude
Ndinomema munda wenyadzi.
Ndati regai ndipfeke nguwo dzehuranda
Ndibude zvangu ndinovatsengera vamedze
Avo vanotipa manyawi ane zvigamba kuno.
Svakabva nepi?
Pane makore andakazvivhomhora
ndokufamba sendisimo, ndazvisendeka
pamadziro ezvisionekwe, zvekuti
chero pakumira pamberi pemira,
mutumbi wangu waivhundutswa nekuzviona.
Mazuva iwayo zvainzi neni
ndanga ndashanduka, ndichisade kana
kuudzwa kune uyo wandaimbova
uyo aichingunozivikanwa nevaya vasari
vanga vasina kundiona kwemakore… Read more
America idziva
Ndakaonawo apfichuka payairidzwa Kwasa Kwasa
Ndikati ndamuwana wangu apindwa neAfrica
Ndikatsegaira mhani, parutivi twasa twasa
rikasvikodoka tichingochokonyora pasi netsoka. Read more


