Rwangu rufu
Rwangu rufu nderwangu ndega
Rwunenge rwuri rwangu, ndicharutamba ndega
Parwangu vatongi vanenge vachitonga
Madzimai madhuku nemazambia vanenge vakasunga
Misodzi yavazhinji ichange ichi chururuka
Vamwe vachazvirovera pasi vachiumburuka
Vamwe pangoma vachasimuka vachisvetuka
Asi vamwe vachanyadziswa pamwe nekufumuka Read more
Regai tifurwe nemhepo
Kupfupika kupfupika zvacho
asi chinovanga pasi kusvikira kwaedza.
Neniwo mateya zvawo, asi ndinotomhoka
Kana wabakidzwa musambo une huchi.
Zvinoremekedzwa matiri muno
Muchikirabhu chemaNigerians,
Matinombokanganwa nhamo tichikozvora pasi
Vachidandaurwa vana Awilo nana Brenda. Read more
ZESA Yazvikonewa
Nei nyika yerugare ichinzvenga seine chikwereti neni?
Ndinongomuka ndiri ini, nemburwa yaindinetsa nezuro!
Asi hope yandarota husiku hwapfuura ndiyo yandishurira
Kurota ndiri maTM, ndichitenga chingwa pasina queue
Nemasherefu azere shuga, mukaka nezvipondamwoyo.
Ndoti ndamuka wanei pombi dzeZINWA dzinongoshona mhepo
Kushungurudzwa kwave kudya sadza revana, kuita musuvanzombe
Kuchinanzva ndiro dzichisara dzave mwedzi muchena.
Iwe Democracy neweSovereignty – bikai chingwa, kwete nzara
Tipeiwo mwenje wekuvhenekera rima ranyanya iri
ZESA yazvikonewa, tobaiwa nevaroyi nematsotsi murima
Mwenje watinoda ndiye Jesu chiyedza chenyika!
Ignatius T. Mabasa
Itai sendi sendi ndachona
Vakomana itai sendi(cent) sendi (cent) ini ndachona
Ndasangana nemuzukuru wangu ndikaona awonda
Ndati handichabvunza kuti muzukuru kuwonda chii
Asi ndinozviziva haarwari, haisi AIDS asi nzara chaiyo
Ndabva ndafunga Mapfumo akati “Shamwari tasangana…
“Hurukuro ndedzei?…….
Hurukuro Hurombo…” Read more


